Acts 6

Kusarudzwa kwaVanomwe

1Mumazuva iwayo vadzidzi zvavakanga vachiwedzerwa pauwandu, vaJudha vaitaura chiGiriki vaiva pakati pavo vakagununʼuna pamusoro pavaJudha vaitaura chiHebheru nokuti chirikadzi dzavo dzaidarikwa pakugoverwa kwezvokudya zvemisi yose. 2Saka vane gumi navaviri vakaunganidza vadzidzi vose pamwe chete vakati, “Hazvingavi zvakanaka kwatiri kuti tirege ushumiri hweshoko raMwari kuti tishande pamatafura. 3Hama, sarudzai varume vanomwe pakati penyu vanozivikanwa kuti vakazadzwa noMweya nouchenjeri. Isu tichaisa basa iri kwavari, 4uye ticharamba tiri pakunyengetera napaushumiri hweshoko.”

5Shoko iri rakafadza boka rose. Vakasarudza Sitefani, murume akanga azere nokutenda uye noMweya Mutsvene; uyezve Firipi, Pirokorasi, Nikano, Timoni, Pamenasi, naNikorasi aibva kuAndioki, akanga akatendeukira kuchitendero chechiJudha. 6Vakaisa varume ava kuvapostori, ivo vakavanyengeterera vakaisa maoko pamusoro pavo.

7Saka shoko raMwari rakapararira. Vadzidzi vakawanda kwazvo paJerusarema, uye boka guru ravaprista rakagamuchira kutenda.

Kubatwa kwaSitefani

8Zvino Sitefani, murume akanga azere nenyasha dzaMwari nesimba, akaita zvishamiso zvikuru nezviratidzo pakati pavanhu. 9Kusapindirana kwakamuka, kuchibva kunhengo dzeSinagoge reVokusununguka (ndiro raiva zita ravo), vaJudha vokuSairini nevokuArekizandiria pamwe chete namatunhu eKirikia neEzhia. Varume ava vakatanga kukakavadzana naSitefani, 10asi havana kugona kukunda uchenjeri hwake kana Mweya waaitaura nawo.

11Ipapo vakakurudzira vamwe varume muchivande kuti vati, “Tanzwa Sitefani achitaura mashoko okumhura Mozisi naMwari.”

12Nokudaro vakamutsa mwoyo yavanhu navakuru uye navadzidzisi vomurayiro. Vakabata Sitefani vakamuuyisa pamberi peDare Guru. 13Vakabudisa zvapupu zvenhema, zvikati, “Munhu uyu haamboregi kutaura zvakaipa pamusoro penzvimbo tsvene ino uye napamusoro pomurayiro. 14Nokuti takamunzwa achiti Jesu uyu weNazareta achaparadza nzvimbo ino uye agoshandura tsika dzatakapiwa naMozisi.”

15Vose vakanga vagere muDare Guru vakatarisisa Sitefani vakaona kuti chiso chake chakanga chaita sechiso chomutumwa.

Copyright information for SnaBDSC